Acts 28

Vana Pauro vanogamuchirwa zvakanaka paMerita

1Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita. 2Zvino vatorwa vakatiitira unyoro husina kujairika; nokuti vakavesa moto, vakatigamuchira tese, nekuda kwemvura yaitanga uye nekuda kwechando. 3Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva kubva murudziyira, chikakwinyira paruoko rwake. 4Zvino vatorwa vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama. 5Iye ndokuzuzira chikara mumoto, akasambokuvara. 6Zvino vakatarisira kuti iye achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa; asi vakati vatarira nguva refu, vakaona pasina chinhu chisina kujairika chaitika kwaari, vakashandura fungwa dzavo voti iye ndimwari.

7Zvino panharaunda yenzvimbo iyo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira akatigarisa zvakanaka mazuva matatu. 8Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vakange varere vakabatwa nefivhiri nemudumbu weropa; kwavari Pauro kwaakapinda, akanyengetera, akaisa maoko pamusoro pavo, akavaporesa. 9Naizvozvo izvi zvakati zvaitika, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakaswedera ndokuporeswa; 10ivo vakatikudzawo nerukudzo ruzhinji, uye toenda nechikepe, vakakwidza zvinhu zvaidikanwa.

Pauro anoenda kuRoma kwaanogara makore maviri

11Zvino shure kwemwedzi mitatu takabva nechikepe cheArekizandiria, chakange chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri*. 12Zvino tasvika paSirakuse takagara mazuva matatu. 13Tabvapo tikatenderera tikasvika kuRegiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yechamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika muPuteori; 14matakawana hama, tikakumbirwa kugara nadzo mazuva manomwe; saizvozvowo takaenda kuRoma. 15Zvino kubva ipapo hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzikabuda kuzotichingamidza kudzamara Apio Foramu nepaDzimba Dzevaeni Nhatu; ivo Pauro vaakati achiona, akavonga Mwari, akatsunga moyo. 16Zvino takati tasvika kuRoma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi; asi Pauro wakatenderwa kugara ari ega, nemuuto anomurinda.

17Zvino zvikaitika shure kwemazuva matatu, kuti Pauro wakadanira vaiva vakuru veVaJudha pamwe; zvino vakati vaungana, akati kwavari: Varume hama, ini ndisina kuita chinhu chinopesana nerudzi kana tsika dzemadzibaba, ndiri musungwa ndabva kuJerusarema ndakumikidzwa pamaoko eVaRoma; 18ivo vakati vandiongorora vakada kundisunungura, nokuti pakange pasina chikonzero cherufu kwandiri. 19Asi VaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuikwidza kuna Kesari, kwete kuti ndaiva nechinhu chekumhan'arira rudzi rwangu. 20Naizvozvo nekuda kwechikonzero ichi ndakudanai kuti ndikuonei, nditaure nemwi; nokuti ndakamoneredzwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri. 21Zvino vakati kwaari: Isu hatina kugamuchira tsamba kubva kuJudhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama, wakati asvika, akatipira kana kutaura chinhu chakaipa pamusoro pako. 22Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nokuti maererano nebato iri tinoziva kuti rinopikiswa kwese-kwese. 23Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi; akavadudzira achivapupurira ushe hwaMwari, akavagombedzera zviri maererano naJesu, zvese kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwani. 24Zvino vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda. 25Zvino zvavakange vasingawirirani pachavo, vakaenda, Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu, 26achiti: Enda kurudzi urwu ugoti: Nekunzwa muchanzwa, uye hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, uye hamungatongoonesesi. 27Nokuti moyo wevanhu ava wakasindimadzwa, uye nenzeve vanonzwa nemutsutsururu, nemeso avo vakavhara; kuti zvimwe vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, nekunzwisisa nemoyo, zvino vatendeuke, ndigovaporesa. 28Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni, ivo vachanzwawo. 29Zvino wakati ataura zvinhu izvi, VaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo.

30Pauro akagara makore maviri agere muimba yake pachake yaairipira mari, uye akagamuchira vese vaipinda kwaari, 31achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zviri maererano naIshe Jesu Kristu, neushingi hwese, pasina kudziviswa.

Copyright information for Shona